Jeremiah 6

Kukombwa kweJerusarema

1“Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini!
Tizai mubve muJerusarema!
Ridzai hwamanda muTekoa!
Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti Hakeremu!
Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro,
iko kuparadza kwakaipisisa.
2Ndichaparadza mwanasikana weZioni,
akanakisa uye anoyevedza.
3Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kuzomurwisa;
vachadzika matende avo vakamukomba,
mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.”
4Gadzirirai kurwa naye!
Simukai, ngatimurwisei masikati!
“Asi, yowe-e, zuva rovira,
uye mimvuri yamadekwana yoreba.
5Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku,
uye tiparadze nhare dzake!”

6Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:
“Temerai miti pasi,
mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba.
Guta iri rinofanira kurangwa;
rizere nokumanikidza.
7Setsime rinoeredza mvura yaro,
saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro.
Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwikwa mariri,
kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu.
8Inzwa yambiro, iwe Jerusarema,
kuti ndisakufuratira
ndikaita nyika yako dongo,
kuti isava nomunhu angagara mairi.”
9Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri
vatanhe zvachose samazambiringa;
utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi,
sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.”

10Ndingataura naaniko wandingayambira?
Ndianiko achandinzwa?
Nzeve dzavo dzakadzivirwa
kuti varege kunzwa.
Shoko raJehovha chigumbuso kwavari;
havawani mufaro mariri.
11Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha,
uye handichagoni kuzvidzora.

“Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta,
napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete;
zvose murume nomukadzi vachabatwa imomo,
navatana, vaya vabva zera.
12Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe,
minda yavo pamwe chete navakadzi vavo,
pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
13“Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru,
vose vanokarira pfuma;
vaprofita navaprista zvimwe chetezvo,
vose vanoita zvokunyengera.
14Vanosunga ronda ravanhu vangu
sokunge vasina kukuvara zvikuru.
Vanoti, ‘Rugare, rugare,’
ipo pasina rugare.
15Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here?
Kwete, havana nyadzi zvachose;
havambozivi kuratidza nyadzi.
Naizvozvo vachawira pakati pavakawa;
vachadzikiswa pandichavaranga,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
16Zvanzi naJehovha:

“Mirai pamharadzano dzenzira muone;
mubvunze nzira dzekare,
mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi,
ipapo muchawana zororo remweya yenyu.
Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’
17Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati,
‘Teererai inzwi rehwamanda!’
Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’
18Naizvozvo inzwai, imi ndudzi,
nemi zvapupu,
cherechedzai zvichaitika kwavari.
19Inzwa, iwe nyika:
Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava,
icho chibereko chendangariro dzavo,
nokuti havana kuteerera mashoko angu,
uye vakaramba murayiro wangu.
20Ndine hanya yeiko nezvinonhuhwira zvinobva kuShebha,
kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure?
Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi;
zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”
21Naizvozvo zvanzi naJehovha:

“Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava.
Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete,
vavakidzani neshamwari vachaparara.”
22Zvanzi naJehovha:

“Tarirai, hondo iri kuuya
kubva kunyika yokumusoro;
rudzi rukuru rwuri kumutswa
kubva kumigumo yenyika.
23Vakapakata uta nepfumo;
vane utsinye uye havana ngoni.
Vanonzwikwa sokutinhira kwegungwa
vakatasva mabhiza avo;
vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo
kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.”

24Takanzwa guhu ravo,
uye maoko edu oshayiwa simba.
Tabatwa nokurwadziwa,
kurwadziwa kwakaita sekwomukadzi ari kusununguka.
25Regai kuenda kumunda,
kana kufamba mumigwagwa,
nokuti muvengi ane munondo,
uye kumativi ose kune zvinotyisa.
26Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga
mugoumburuka mumadota;
chemai nokuchema kukuru kwazvo
kunge munochemera mwanakomana mumwe chete,
nokuti muparadzi
achatiwira pakarepo.

27“Ndakakuita muedzi wamatare
navanhu vangu mhangura,
kuti ucherechedze
uye uedze nzira dzavo.
28Vose vamukiri vakaoma mwoyo,
vanongofamba-famba vachiita makuhwa.
Ivo indarira nesimbi;
vose vanoita zvakaora.
29Mvuto inovhutira zvinotyisa
kuti ipise mutobvu nomoto,
asi kunatswa kunongova pasina;
nokuti vakaipa havasi kubviswa.
30Vanonzi sirivha yakarambwa,
nokuti Jehovha akavaramba.”
Copyright information for SnaBDSC